*TRUE LOVE DON'T EXIST*
WRITTEN BY
AUTHORESS
MAY JAYDEN
NO UNDER 18 YEARS đ
VERY ROMANTIC AND SENSITIVE STORY đđđđ
Chapter 14
Ipapo ndakavhunduka ndichibva ndatarisa Lee uyo aive agere parutivi pangu achipedzisa kunwa tee ende haana kana chakaziva asi zvokuti Mark anga afona aive azviona ende zvokupinda kwemessage akazvinzwa asi chaanga asingazivi luti mukati mayo mutikutaurwa nezvei ..Saka ipapo akaona ndamutarisa zvikanzi
"Chii bby
Ndakabva ndangomutambidza foni yacho kuti averenge ega akabva averenga ndokuramba akabata foni yacho and nguva iyoyo foni yakabva yaringer uku ariye akaibata ndikati
"Ndivo varikufona here
"No ndigulez mai Courage
Akadaro achibaya pokudeera ipapo sisi vakabva vatoti
"Nyaya yenyu unotonetsa iyi Tyler izvezvi vana baba vakutaura zvepolice zvanzi uchiri mwana mudiki plus Mark arikutaura zvakawanda zvanzi haungaroorwe nemusoja saka apa vayi vakuenda kupolice and handichaziviwo ini asi imi mungatizisana muchinogara pamashops ipapo makakwana here asi haaaa ameno ini handimo munyaya dzenyu .
Ndakanzwa kutya pamwechete nekubhoikana kuti how can they want to arrest munhu nhai sezvinonzi ndivo vaida kundiroora here zvimwe zvacho zvinenge zvakutobhohwa ndakabva ndati
"Ngavandijwanira imi zvamakaroorwa muine ma16 years vakadii kusungisa varume venyu ngavasada kundinzwa
Ndakadaro Lee achibva anditarisa neimwe look yekutoshaiwa kuti hasha dzandaive ndoita dzaibva pai chaipo ipapo sisi vakabva vati
"Baba vanokuda Tyler nzwisisa iwewe
"Handina chandinoda kunzwisisa manzwa vanondida kundida kwekuita sei vanoda kundiroora here ngavandikwanire vakuzondibhohwa vanoda kumusungisa vakamira sani
"Ndibaba vaurikudai here nhaiwe Tyler
Aiwaka sisi zvakunyanya it's not like ndini ndatangaka nekutiziswa pasi pano zvokuti vakutaura zvokuti vanoda kusungisa munhu kana vamusungisa zvozodiii ...Why vachibva vaita sokuti vane zvavanondishandisa nekuti hazvisi normal zvawave kuita izvi ...
Ndakabva ndakata zvikanzi naLee
"Ndotozviziva kuti uri underage and ndinotosungwa ndozviziva nekuti mutemo hautenderi ..Ndinosungwa ft nemutemo webasa rangu kuti ndini ndinofana ndichitokuprotector bt ndini ndinenge ndakutopara mhosva yacho haa ndotosungwa izvozvo ndozviziva...
Ndakamuona kuti anga ava worried asi ndakabva ndamubata ruoko ndikati
"I will not let it happen
"Bby chero ukataura kuti unondida asi still ini ndinosungwa nemutemo webasa uye nyika inondisunga ndakazvipikira zvese izvozvo kuti ndive musoja ndakapika kuprotector nyika and nyika yacho ndiwe so you see ndinenge Nditori mhandu mumeso enyika uye mutongi wacho unogona kutondisiisa basa zvachose ..Handichazivi bt iwewe ingoziva kuti ndinokuda chero ndikasungwa ndasungirwa iwewe
Paakadaro ndakabva ndaramba ndamautarisa zvikanzi
"Age difference iri pakati pedu ihombe plus wagara uri under age zvandaimbotaura paya uchiri kuziva ndichikuti uchiri under age hausati wane 18 years
Ndakabva ndagutsurira musoro ndikati
"Ehe ndichiri kuzviziva bt l love you Leonard ndokudai nemoyo wangu wese handingasiye muchisungwa ini ...
"Saka tozviita sei nekuti chero ukandida hazvishande mutemo mutemo kana vachindisungisa vanotongondisungisa and you can't do anything
Ndakabva ndakuramba ndakanyarara ndokubva ndati
"Bt what is tikatiza
Akanditarisa haana kudera akabva atora foni yake ndikaona akufonera number dzaive dzakanzi mudhara ..Ipapo akafona vakadeera iye achibva ati
"Mamuka sei baba
"Ndamuka mwanangu wamuka here
"Ndamuka ,Apa muchiri kunhamo here
"Ehe tiriko toenda kumba mangwana ...
"Ndokumbirawo mutume mukomana nemota izvezvi pamashops pandogara paya auye atakure zvinhu zvangu atevere nazvo kumba ini ndakutoenda kumba izvezvi munosvika ndiriko ..
"Kwakanaka here
Vakabvunza baba vacho iye Lee akati
"Pakaipa mudhara pane zvukuitika nekuti nezuro muroora wenyu haana kuzoenda kumba kwavo eish manje vabereki vake vakutaura zvepolice apa varikuti iye iunder age nekuda kwemakore ake saka ndanga ndafunga kuenda kumba ndonoona kuti ndoita sei cz ndagara ndaida kutoenda kunoshandira kutsanza guru uko ..
Tsanza guru yaive camp hombe yemasoja Marusape mese saka ndiko kwaiti aive oda kunoshandira ikoko haitive camp hombe chaizvo ..Aive akambondiudza zvake kuti paari apa aigona kupabva anytime ...Ipapo baba vacho vakabva vati
"Horaiti saka hamusvikirwe here muripo ipapo pacho
Ipapo Lee akabva atosimuka ndokutora sechel akati
"Mukomana ngauye fast anorongedza everything nekuti isu takutobuda
Baba vacho vakabva vati
"Budai nekukasika .
Ipapo Lee akabva akata akati
"Bby
Akadaro anditarisa ndikati
"Hmmm
"Are you oky
Ndakagutsurira musoro zvikanzi
"Everything is going to be oky hnty, you have to go through all this nekuda kwangu sorry
"Don't say that
Ndakadaro akaramba akanditarisa ndobva akutira mapapers ake achiisa musechel iya akaisa zvese zvikanzi
"Apa ukugona kufamba here
Ndakabva mdakugutsurira musoro zvikanzi
"Ndipe kuno foni yako
Ndakamupa akaiisa muhomwe zvikanzi
"Handei
Ndakamutarisa ndichitevera mumashure make takabuda adi akasiya asina kukiya door akangorivhara chete takabva tabuda ndokuenda nekuseri asi ndakabva ndatarisa kuroad yaibva nekumashops ekuzasi ndikaona mukoma Mark pamwechete nevamwe vakomana 4 vese pamwechete vaive 5 uku vachifambisa ndikati
"Mukoma Mark avo
Iye Lee akabva atarisa kuside kwacho akavaona zveshuwa ..Akandibata ruoko ndokufambisa neni tichienda kumashure kwematoilets and vakanyatsoenda pamba paLee straight .Ini naLee tanga takadongorera tichiona asi apa taive tisisaone nekuti vanga vavharidzirwa nemudhuri wemba ...Zvikanzi naLee
"Dai tasvikirwa
Takaramba takatarisa vakatora nguva varimo asi isiwo takaramba takamira ipapo foni yangu yakabva yaringer aive Mark aifona zvikanzi naLee
"Deera
Ndakabva ndadeera zvikanzi
"Saka matiza manje hatisikubva pano kusvika madzoka and arikuzosungwa ..
"Chero mukagara ipapo hatichadzoki ipapo mogona kutobika hupfu hurimo mumba imomo muriwo irimo mufridge bikai mudye asi hamumbotioni ....Don't you ever call me ndakuonai kuti hamundidi nekuti sei mabva mati nanga nanga neni Inga vamwe vana sisi vakangoroorwa wani sei zvabva zvaita sekuti ndini ndatanga nazvo ..Munenge muchinyebera kuita hanya neni zvenyu imi muchida kusungisa munhu wangu muri evil imi musandifonere ndukuda kutokublokai ...Hamuchandioni ft
Ndakadaro .ndichibva ndakukata call yacho musodzi yakutobuda..Ndakabva ndadzima foni yangu ndikati kuna Lee handei .
Takabva taluenda bt ndaitofamba zvishoma nezvishoma nekuti ndairwadziwa iye wacho aitofambawo step yangu asi aifamba achicheuka cheuka ..Takanobudikira kuroad tatobva pamashops ndokutanga kutevedza road tichienda kumbwa kwavo ...Kamufambo kaivapo zvokuti taitofamba munyira tichizorora nekuda kwekuti ini ndaitorwadziwa makumbo angu and aipota achindibereka Lee ..takafamba ndopatakawowanawo kamota kakanotosiya kumashops ekwavo akati tadzika ..And airatidza kuti anozivana chaizvo nevanhu vepamashops apa nekuti vazhinji vacho pavakamuona vakabva vatanga kuti eee lenzo wadii ...
Ipapo Lee akamira and ndakatoona kuti ndiwo madeedzerwe aiitwa kumaraini kwake kuti Lenzo iye akaratidza kufarirana chaiko nevanhu vaive pamashops apa akabva ati
"Guys ndiye mukadzi wangu uyu
Vanhu vese vakanditarisa kuda vaitoshamisika zvichida nedressing yandaive ndakapfeka kuti muroora anopfeka short kudai here asi vakabva vati
"Saka apa ukutomusvitsa paden here ..
Akadeera Lee akati .
"Yaaa haa munhu akutosvika pamusha ..
"Wagona shaa hona isu vana vadiki kwauri tatove nevana vaviri vaviri ..Wagona saka gulez murisei ..
"Makadii zvenyu
Ndakadaro kuvarume vaya vaive vatatu ..Umwe wacho akati
"Tiriboe isu murume wenyu aive nemangoromera akamborova munhu pamashops panapa akafenda zvokuti padiki diki akafa munhu iyeye ..Asi Lenzo kaaa kkkkkk wakanyararira ubenzi iwewe
Vakasekedzana asi iye Lee akabva ati
"Iiii iii iii wangu imbomiswa ..Sharp team ndokuonai regai ndimbosvika paden
Akadaro vachipanana mahandshake asi umwe wacho akabva ati
"Mukati kwamuri kubva kwakanaka iyemi
"Nyarara wangu kkkk kutiza uku kkkkk
Akadaro Lee akabva aseka nevamwe vake ndokuonekana toenda kumba kwavo uko kwaisambove kure nepamashops pacho zvokuti takangofamba zvishoma ndikatoona tasvika pamwe pamba paive pakapendwa neyellow and meloon uye paine imba hombe yairatodza kuti i4 rooms Koita kitchen uye danga rehuku koti toilet nebathroom izvo zvaive nechekunze kweruvanze asi zvese zvaive zvakapendwa zvinhu izvi uye paive pakanaka uye paive nedara riya rinonzi sink yokuvakira dzekumusha dziya zvokuti munhu anosuka akamira ...
Takasvika ..Lee akati
"Gogoi pano
Paitoratodza kuti pane vanhu nekuti door remukitchen raive rakavhurika makabva mabuda mumwe musikana aive akapfeka uniform yekusecondary ipapo akabva ambundira Lee achiii
"Hiii mukomanaaa Leonard
Akadaro qchisekerera and anoratidza kuti aitodya nekuti muromo wake wanga wakanunira mafuta ..Akauya kundimhorosawo ...Pakauya zvakare umwe musikana aive mudiki ku e uyu asi vese vaive vakapfeka Mauniform ekusecondary asi akasiyana macolour acho ..Uya mudiki akambundira zvakare Lee achiti mukomana Leonard ...
Zvimanzi naLee
"Ko matobva kuchikoro
"Ehe tatodzoka munofara here mukoma
Vakadaro vachiratidza kuti vanoremekedza mukoma vavo iye Lee wacho akabva ati
"Murisei ko Lazzy aripi
"Aaaa mukoma Lazzy tangobvawo kuchikoro vasipo isu hameno kuti vaendepi ...Pindai mumba
Takabva tapinda mukitchen zvikanzi naLee
"Guys ava ndimaiguru very venyu ava mukadzi wangu anonzi Tyler
Ndakaona vosekerera vasikana vaya vese iye Lee akati
"Bby utu tuhanzvadzi twangu uyu anonzi Shelly inumber 3 pakati pangu naye pane mukomana uchamuona hako auya so uyu ndiShelly ari form 6 then uyu ndiye last born anonzi Shay ari form 3 ...
Hoo sake vanga vakapfeka Mauniform akasiyana inhau yokuti umwe aive A level and anenge aitove muhombe kwandiri Shelly wacho
"Tafara nekukuzivai
Ndakadaro ivo vakaderawo vachiratidza kuti vaifara chaiko ....zvikanzi naShelly wacho
"Mukoma mandifadza magona mukoma yoo mama vachafara sei ..
"Vakamuona avo
"Hiii riini? Kupii imi
"Nezuro ndakaenda naye kunhamo yasekuru nezuro ndiko kwaakanoona vana mama ...Shelly itombopawo muroora wako hembe dzokuti apfeke for bow ndozoita plan
"Oky
Akadaro Shelly uya ..And aive akasununguka chaizvo zvokuti ndakazovidza zuva ndotowirirana navo vese vasikana ava uku Shelly aive muhombe kwandiri aive ne19 years and Shay aive ne15 vakatondipa hembe dzekuti ndaizotopfeka nemazuva aitevera nekuti akatondipa dzakawanda ndikadziendesa kuimba iyo yainzi ndeya Lee iya boysky ndakaendako ndakabata hembe dziya uku Lee aitove mumba imomo ndakabva ndanopinda ndokuona kuti maive nemubhedha waive mudenga uye uchioneka kuti munyowani nekuti wanga uchirine maplastic ekuratida kuti waive uchiri munew one and paive nemagumbezi akanaka and airatidz akuti matsva zvakare waive wakangowaridzwa negumbeze not shit ...Ndakatomuona lee aive abvisa uniform yake atopfeka hembe anenge aive nedzimwe hembe dzive kumba uku akabva anditarisa zvikanzi
"Wakutokanganwa kuti une murume
"Iii ko nei
"Wava busy kaa nana Tete vako kutokanganwa inini murume wako
"Hii kana veduweee kkk
Ndakabva mdachinja hembe ndikapfeka dress randaive ndapihwa natete ito raive rakaita kundifita .Lee akangoramba akanditarisa zvikanzi
"Munhu wangu
Ndakangosmila chete ndisina zvandakataura zvikanzi
"Waramba kuti murume asungwe kkkk
Ndakabva ndaseka ..
Padoor pakaita knock zvikanzi naLee
"Ndiyani
Pakabva papinda umwe mukomana anga akada kufanana naLee wacho akabva ati
"Blaz aaa ndafunga kuti vana Shelly varikunyeba kuti mauya ..Aaaa aaa gulez mukudii huyai mumbundire ddy
Ndakabva mdaziva kuti ndiye Lazzy wacho uyo ainzi anoteverana naLee ..Ndaingonzwa Lee achitaura nezvake uye aitaura naye pafoni akamuudxa nezvangu and ndakatombotaura naye pafoni lazzy wacho achindibvumza kuti munouya riini kumba ...Ndakabva mdasekerera ndichiti
"Munofara here bmnn
"Haa iwe huya umbundire ddy
"Huya kuno mukadzi wangu
Akadaro Lee ndakabva mdaseka uku Bmnn lazzy vakabva vaseka vachiti
"Chifa nditore mukadzi unofa riini nhai iwe kkk hesi kani gulez
Vakadaro vachisvika pandiri ndokundimhorosa vachifara chaizvo zvikanzi naLee
"Uyu ndikafa ndichimusiya handizorori yuuwi ndingamusiya here uyu hazviiti izvozvo ...
Vakasekedzana and vairatidza kuti vanhu vanowirirana zvavo mukoma nemunin'ina apa vanenge vanga vasina kumbosiyana zvakanyanya pamakore avo ..Lee akabva akuudza bmnn zvaive zvaitika apa bmnn vacho vagooma zvavo nekuseka zvikanzi
"Zvaari ma1 nhai imi
Vakadaro vachisekaa ...
Ndakazovasiya ndoda kubuda asi Lee akabva ati
"Ko wakurnda kupi bby
"Kunana tete
"Aihwa huya kuno umbozorora hausikugona kinyatsofamba zvakanaka huya uzorore ...
"Asi wakanyanya kupaza paza mwana nhai iwe Leonard
Vakadaro bmnn iye Lee akati
"Ummm iwe
Akadaro achiseka ndakabva ndakunyara ndikabuda mumba macho ini ndokuenda kunana tete avo vaive vakutanga kubika and vanhu vacho vainakidza zvokuti ndakatanga kunzwa kunakidza kwepamba apa ...
Vaitaura vasikana vacho ummm ...
Nguva dzakafamba tikaona mota yasvika vana tete vakati zvanzi vana baba vauya ...and vaive ivo zveshuwa vakatouya nezvinhu zvaLee zvakabva zvadzikisea zvichiisea muimba hombe takatambira vana mama and mama vakabva vati
"Hesi kani mwanangu waswera sei
Vakadaro vachindimbundira ....zvikanzi natete Shelly
"Muchatoona here mbuya munyika makungoona muroora wenyu chete
Vanhu vakaseka ..
Takapinda mumba ndokusweresa vana mama vese nababa neumwe murume ainzi muzukuru wavo uye aigara pamba ipapo zvanzi mwana wehanzwadzi yababa vaLee vanova vatezvara vangu .m
Ipapo vana baba vakaudzwa nyaya yese mafambire azvaive zvaitwa asi ivo baba vakangoti
"Saka kutsanzaguru kwacho unotanga kuenda riini ...
"Ndukuenda musi wechina kuswera mangwana ...
Akadaro achinditarisa zvikanzi nababa vacho
"Hiraiti zvakanaka
Ipapo ini naLee tave tichakatarisana achibva ati
"Saka ndaida kunoona kuti kwakadii kwandiri kuenda kwacho mosara muchimbosara muroora wenyu pano ndozodzoka ndichimutora ndoenda kunogara naye nekuti apa handisi kuziva kuti kwakamira sei hazviiti ndindundudzane nemukadzi asi ndodzoka ndichimutora ...
Akadaro akanditarisa kuda aida kuona reaction yangu asi ndakabva ndatarisa zvangu pasi zvikanzi namama
"Aaaaa wotorora nekusiya mukadzinuchienda kubasa here nhai mwanangu
"Handisi kumusiya mama it's only for 1 or 2 weeks ndotodzoka ndichimutora
Be blessed...
