*TRUE LOVE DON'T EXIST*
WRITTEN BY
AUTHORESS
MAY JAYDEN
NO UNDER 18 YEARS 😉
VERY ROMANTIC AND SENSITIVE STORY 📌📌📌📌
Chapter 18
Chero neni ndainzwa kufara asi hana yangu yaita ichirova nekuvhunduka plus ndaibva ndapjndwa nepfungwa ypkuti ko kana isiri nhumbu ,Ko kana kungori kujamba apa nekufara kwandaive ndaona murume wangu achiita kufara ndikafunga kuti ko kana isiri nhumbu iye afara kudaro ...Ndakaramba ndakamutarisa achiratidza kufara kusingaiti zvikanzi
"Ko ukunditarisirei kudaro
Ndakabva ndasmila ndikati
"Makanaka
Ndakadaro ndakamutarisa ko hnty ndaive ndisingachamunyare akabva ati
"Iwe hakuna musoja akanaka usazvinyebere
Akadaro achisimuka kubva pabed ..Aive atopedza kupfeka kuda kuenda kubasa ...Ndaive ndakagara pabed ndakazembera madziro akabva akusimuka ndikati
"Ini wangu musoja akanaka .
Akabva aseka achiti
"Ndizvo zvaunenge uchozvinyeberaka .
Ndakabva ndati
"Kunyebei hnty akanakira inini here .
Akabva ati
"Ndouya ndichikuona masikati hanty
Aisimbodzoka masikati dzimwe nguva asi aisadzoka pese pese hake aimbopota achidzoka and dzimwe nguva aitaura ft kuti arikudzoka asi obva arega kudzoka kwacho ..Ndaiswera ndichiona mamovie palaptop yake zvokuti handisaimbosurikirwa ndaitozomuka kubika kana nguva dzokuti akuda kubasa dzakukwana aichaisa kuma half 7 asi nguva zhinji aisvika kuma 8 .Ende ini handisaimbobuda panze zvokuti ndaive ndotowedzera kutsvuka nenhau yokugara mumba ndaibuda panze kana ndichinogeza chete kana kuyanika hembe mamwe madzimaiwo emucamp umu vaingoziva kuti pamba apa panogara mukadzi wechidiki mukadzi wemusoja asi nyaya ndaisave nadzo navo kwaive kungomhorosana kana ndavaonawo panze ipapo saka ndaitongozvigarira mumba mangu ..Lee akabva ati
""Ndakubaya ini xaa
"Oky
Akabva abuda kuenda kubasa ndakasara ndega semazuva ndakamuka ndokudya porridge ko ndaitengerwa vana cerevita kana macorn flakes ndaitotengerwa zvese saka kuseni ndaidya zvandinenge ndangoda hangu ndakapedza kudya ndokuenda kunogeza ndokudzoka ndichitanga kuona mamovie angu ..
Masikati acho haana kuuya uyo asi akandofonera achiti manheru ukuda kudya sadza nei ndikati ndukuda machips saka ndiwo aakazondivigira manheru acho ... Paakauya akabva auya nechicken akati ndimubikire sadza ..Ndakabva ndabika iye achidya sadza ini ndaidya machips .
Mazuva akafamba ndichiita kuyema nenhumbu yangu zvisingaiti zvokuti ndaidiwa vana sisi ndaive ndakavaudza kuti ndave nenhumbu zvikanzi nasisi mai Courage
"Inga mune chibereko chakarongeka
Vakadaro vachibva vakundiseka vese ende vana sisi ndaitaura navo mazuva ese zvokuti dzimwe nguva vaitombotaura naLee vese and vanga vowirirana naye asi chaindirwadza kuti baba vangu vaisada kutaura neni zvichireva kuti vanga vakanditsamwira asi hameno vaizosunungura moyo wavo kana zvadii .....
Nhumbu yangu yaikura nekufamba kwaiitawo nguva and ndaidiwa zvisina chitsotsi umwe musi yaive weekend taitoona movie tese tiri vaviri anga asina kuenda kubasa ..And vanhu vaive kumba kwavo haana wanga akaudza nezvenhumbu yangu asi ndini ndakatoudza tete Shelly zvakaita kuti vana mama vazvizive asi vaisamboziva vanga vasina kuudzwa ...Takagara kudaro ndakabva ndati
"Saka mukuenda riini kunoroora ddy
"Next year kana zvikafamba zvanaka
Apa ipapo taive muna June umm kuzoina next year yakukwana ndakabva ndaramba ndakanyarara zvikanzi
"Asi hazviiti here bby
"Tiri muna June
Ndakadaro ndichiti kuda arikufunga kuti taive tave muna October..Asi ndakatoona kuti aiziva zvikanzi
"Ndaida kunoroora rine musoro kwete kunopa vana bambo tunzungu twemari ..Ndine mombe 6 kumusha uko ndaida kuti dzikwane kuita 12 ndoendesa mombe dzese dzakakwana kana ndichizosara nechikwereti chozove chimwe asi zvemombe ndapedza nazvo bt zvikafamba zvakanaka togona kuenda next year bcz monthend iyoyi nofana kutenga imwe mombe ft ...
Haasainyeba nekuti ndakaona mamessage mufoni make achitaura nababa vake nenhau yokunoroora iyoyo baba vacho vachitotaurawi kuti shuwa une mwana wevanhu saka urikufana kuti uende kunoroora ..
Saka apa ndaitomubvunzira zvangu kuda kunzwa kubva kwaari asi mamessage ake nababa ndaive ndakamaona ndakabva ndati
"Saka next year ndinenge ndatoone mwana mozoenda kunoroora
Apa ndaive ndakagara pakati pemakumbo ake akabva andibata dumbu iro ranga rava mu5 months asi raisambove hombe zvakanyanya zvaro akabva ati
"Rega ndiona kuti toita sei bby toenda kunororo muna September ...
Ndakabva ndakunzwa kufara ndikati
"Ini ndichizvara muna October aaa ko ndikanozvarira kumba pamarooro
Akabva aseka akati
"Ukuzvara October apa ini ndiri wemuna October musi wa15 saka dai ukazvara mwana wangu musi wa15
Ndakabva ndati
"Hiii imi hazvizomhonangani nemazuva straight zvinozongosiyanawo kana ne2 days
Akabva ati
"Ehe yaa hazvizombafanani bt zvogona kufanana kune vandinoziva vane same birthday nevana vavo .
Ndakabva ndatichinja nyaya ndichiti
"Ndukuda maAvo
Yaitove nguva yawo maAvo and ndaimada chaiko nechingwa achibva ati
"Ko randakauya naro nezuro
"Handika makandidyira paya manheru rakapera riya
"Iwo maAvo acho anoda kudyiwa everyday here nhai bby .
"Asi ddy imimi munonyeba moziva ummm rume risinganyebi harirori zveshuwa ..
Ndakadaro ndiine zvandaive mdafunga zvikanzi
"Ko ndanyeba kuti chii ft nhai bby
"Makanyeba mukati muchandiendesa kuchikoro .
And anga asina kumbobvira ataura nezvazvo kubva zvandaive ndatanga kugara naye ndakatoziva kuti aindinyebera achibva ati
"Aaaa shaa kuchikoro chaiko here
"Ehe ndinoda kuenda kuchikoro ini aaa vakadzi mazuvaano varikungoshanda
"Asi wangu haashandika handina mukadzi anoshanda ini
Ndakabva ndati
"Saka maizvitaurirei zvokuti muchandiendesa kuchikoro
"Wakadii kumbodzidza uchiri kumba kwenyu
Akadaro ndikatinzwa senge anga akutoshaisha kutaura ndichibva ndati
"Hnty ndizvo zvacho zvamakandinyebera kuti kuti munondiendesa kuchikoro imi mainyeba dai musina kundinyebera dai musina kutondiroora
"Saka nyaya yako iri pakuti chii manje apa waisada kuroorwa neni here ndizive
Aive akagara kumashure kwangu ini ndiri pakati pake ndakabva ndati
"Aaa ehe zvaitozoita nani pane kuti munhu anonyeba kuti anokuendesa kuchikoro opedza akuroora kwacho oti handina mukadzi anonyeba kuita zviya zvechinyakare zviya nxaaa
Ndakadaro zvaikanzi
"Tichiri pamwepo here apa
"Hameno asi imi mainyeberei saka ndongoita munhu wekuroorwa chete kusvika ndafa dai ndakaziva hangu ndakatanga ndaenda kuchikoro zvaitive nani
"Waitivewo dofo zvako kwakuda chikoro warorwa kkkk wakabuda neshona chete kwakudzorerwa f4 kuchikoro
Akadari ndikanzwa sokuti aive ondidzikisira asi ndakabva ndati
"Asi imi maigona kani ,Dai maigona maizoita musoja here
Zvanga zvakutoita sokuti takutodhisana paya nekuti ipapo akabva aseka akati
"Yoowe wangu havasi vese masoja vanopinda muchisoja nekumhanya I have 8 OLevel and 13 points A level kuita chisoja is my wish , my dream not kuti ndakaita chisoja nekugona kumhanya handina kubvira ndatomboita zvekumhanyiswa ini kkkk ipapa iwewe hauzivi kuti zvawaive wonyorera mamwe masubjects unkda kuzoitei chaunoda kungoita independent woman kkkk zvokunyorera zvonetsa izvi siyana nazvo uite zvemariage
Ndakaona sokuti aive otonditsvinyira plus kuganza kuti iye aive akapasa saka ndakabva mdaramba ndanyarara zvikanzi
"Munhu akangotadza kuita chikoro kumba kwavo zvatovharana unkda kuenda kuchikoro chei mukadzi wemunhu ...
Handina kumudeera ndakatinzwa kuboikana nekuti ndiye aive akanyaba kuti aizondidzidzisa sama why anga akuita sokuti ndini ndaive ndakasiya chikoro ndichida kuroorwa ...Akaona ndaramba ndakanyarara achibva andidongorera zvikanzi
"Wanyarara wani
"Ndizvoka zvamunenge muchida kuzotsvinyira mukadzi kuti haana chainacho
Ndakadaro ndichizvibvisa pakati pemakumbo ake zvikanzi
"Ini chero ukadzidza sei handidi mukadzi anoshanda ini plus apa tukumgotaura nyaya saka iwewe hameno kuti watsamwa chii ipapa ...
Handina kumudeera ndakabva ndatorara ndakamufuratira zvikanzi
"Watsamwei asi nhai jwe Ty
Handina kumudeera akabva auya kumashure kwangu ndokundimbundira nekumashure zvikanzi .
"Chii chawatsamwa
"Handina kumbomudeera zvikanzi
"Sorry
Handina kumbodeera ndaive ndamutsamwira zvikanzi
"Usatsamwira murume kudaro kani hnty
Akadaro arikumashjre kwangu zvikanzi
"Mukadzi wangu haashandi ukushaiwa chii chaungada kudzidza asi nhai bby chii chaukuda ndikuitire ...
"Chero muchindiitira zvandinoda zvese asi ndodawo yangu mari
"Yei ,
Ndakabva ndaramba ndakanyarara zvikanzi
"Inzwaka ini hangu murume wako handidi kuti ushande mukadzi wangu hameno pamwe pakutaura kwedu pabet yedu hatina kunzwanana saka watsamwa bt sorry bby pamwe ndaresva kutaura
Ndakabva ndati
"Manditi dofo imi
"Hnty tanga tichitaura here sorry hnty hausi dofo iwewe uri ekisarendi chaiko
Ndakabva ndakuda kuseka zvikanzi
"Iwewe kubasa unoda kunodii unaro wani setifiketi rako reform 4 rine shona ..Mari mumba muno ndiwe unobata unoita zvaunoda nayo saka chii chukunetsa ini handina mukadzi anoshanda ....Simuka unondicherera mvura
"Andisikuda
Ndakadaro zvikanzi
"Simuka kani iwewe urikungoswera wakagara mumba muno haudi kana kufamba kusvika chero kumashops uko
"Handidi ini aaaa imimi hamudi kundibereka ..
Ndaimunetsa kuti andibereke kana tochienda kumashops zvino iye ainditi famba saka pacho paizonditi handei kumashops ndaibva ndairamba ndomuti endai mega ...Akabva ati
"Kuiubereka kuti haugoni kufamba here ndokubereka sei nedumbu rako iroro ...
"Manje handisi kunokutorerai mvura
Ndakadaro ndichinyatsonyatsorara zvikanzi
"Hauna rudo iwewe
"Ndinarwo imi munarwo here
Ndakadaro zvikanzi
"Haaa inini unozviziva wani kuti ndiri chibaba ukandiona wakutotota
Ndakamutarisa ndikati
"Hazvimbokufitei zvamunotaura nezvamunoita
"Zvei
Akadaro achidzika pabed zvikanzi
"Ukandiona chete beche tototo
"Maiweeeee
Ndakadaro ndichigumirwa uye kumushairwa mashoko apa iye aibva anditarisa zvikanzi
"Kusoti ndikakudya beche ummm wakafita kufenda iwewe I dont trust you ..Bt Ndukuda kumbokudya bech* Zvanzi ndokuti marriage ilaste kusvika amen
"Nxii
Ndakadaro ndichishaiwa zvokutaura akabva aenda kudining akadzoka ndichibva ndati
"Ndukuda drink
"Endai munotora Mami
Ndakaramba ndakarara ndikati
"Ndukuda drink Kani
Akabva atokwira pabed achiti
"Enda unotora shaa waramba kunondicherera mvura iwewe simuka unotora wega drink rako raurikuda ...
"Ndukuda drink
"Handisikumbokutorera
"Dadrink
"Enda unotora bby
Akadaro akutobaya baya laptop ndikati
"Ndukuda drink
And kuramba kunotora kwaiita ikoko kwakandipa hasha zvokuti ndakatanga kuchema akanditarisa zvikanzi
"Asi wakupenga
"Ndukuda drink
"Saka harimo here drink racho endaka unotora haisi mumaoko mimba yako zvimwe zvaunoita ndotonzwisisa kuti mukadzi wangu ane nhumbu saka uchiona ndokugezesa ndinokumasager ndinoita zvizhinji zvaunotaura asi wakuda kutondiitisa bekuto une nhumbu chasara kundiwachisa pano .Enda unotora drink mudinning uko kana usikurida siya aaa ndozvaungachema izvozvo ko dai ndiri kubasa waida kutuma ani ..
Akadaro ari serious zvokuti ndakatoona kuti aisazombonoritora drink racho and zvakaita kuti ndiwedzere kuchema ndakarara iye haana kana zvakataura ndakatamba ndichichema zvikanzi
"Zvimwe zvacho kuzvijaidza zvisina kana basa urikutadza kunotora drink mudinning umo kuda kuti ndinotora ini haudi kusemererwa benzi remunhu uchiita noise ipapa ukuchema chii chaurikuchema uchiita semunhu anosvikirwa .Haaaa wakuzobhohwa nhumbu yako haisi mumaoko ende ndinokubatsira zvinhu zvakawanda
Airevesa nekuti zvinhu zvizhinji aindiitira ndakarara pabed achindipa zvese chero kubika chaiko aigona kubva kubasa achiuya achibika ende ini ndaiti ndiri kuyema nekuti hapana kana payaimbondirwarisa mimba iyoyi ndaitoti saka vanhu vanonyeba kuti zvanzi munhu anorwara kana akazvitakura asi inj handsimbozvinzwa everything was normal kana oairwadza handina asi kuti ndaive ndatojaira kumutuma zvikanzi
"Usada kundijairira enda unitora drink wega uko iwewe ndakuti ndipoo mvura asi waramba ininj ndini waunoda kutuma haaa shaaa unkndibikisa panapa handimbotauri ndienge ndabva kubasa asi wakunyanya .Wakuzvinyanya iwewe vakadzi vazhinji vane mimba kunze uku havambodaro ...
Ndakabva ndanyarara ndega nekuti ndakatoona kuti anga atsamwa ndakamunzwa mukutaura kwake kuti voice rake ranga rave nehasha saka ndakabva ndamira kuchema zvikanzi
"Zvimwe zvoda kuona ..Munhu kana uchidiwa rega kubva wada kushandisa munhu ndakutoita semusikana wako webasa inini usada kundijairira mhani iwewe uda kuita sei ..une shuwa kuchemera drink ririmo mudinning umo kuti simuka unonditorera drink ndiri mushandi wako here inini .
Ndakaramba ndakanyarara zvikanzi
"Zvimwe zvacho zvoda kunyara ...
Ndaive ndanyarara asi ndakunzwa kunyara ipapo ndakatoona kuti kunyebera kurwara ndosolution ndakabva ndakudzika pabed ndokubata mudumbu mangu ndichiscreamer ndakabata dumbu zvikanzi
"Waitwa sei
Akadadaro achitouya kundibata zvikanzi
"Bby chii waitwa sei nemwana wangu
"Apa ddy
"Papi
Akadaro achindibata achiita kushaiwa zvokuita ndikati
"Apa ddy
"Paita sei
"Andikava mwana wako
Ndakadaro ndichinyeba asi chokwadi ndechekuti ndaive ndakunyara nekuda kwekuramba ndichituma murume kuyema kwacho ndakatoonawo ndega kuti ndanga ndakuenderera ende ipapo akabva ati
"Huya ugare apa
Ndakabva ndamumbundira ndikati
"Ddy
"Heee
"Dddy
"Heeeeeee eeee
Akadeera achiita zvokurevesa hee wake ndikati
"Aaaaa ddy musandiitira hasha apa aaaa
Akaseka akati
"Une madrama hnty
Ndakabva ndati
"Ddy
"Hoye
"Ddy deerai zvakanaka kani
Ndakadaro ndichirembedza miromo zvikanzi
"Watii
"Ddyy
"Heee bby
"Mandishaudhirei
"Handina kukushaudha
"Mandishaudha ddy
"Unozviziva kuti ukaramba uchiyema zvaurikuita ndokusvira here
"Dddyyyy
"Ndukutokuudza bby
Ndakabva ndamumbundira ndikati
"Ndukuda drink
Akabva aseka ndokubuda akanoritora ndokudzoka naro akandipa ndikati
"Nduda mvura
Akaseka achikwira pabed asina zvaataura and tanga takuwirirana ...
Mazuva akapindana mwedzi ikapindana uku ndaive ndakurirwa nenhumbu yangu and marooro anga asvika nekuti vatezvara vangu vaive vakatoenda kumba vakanopihwa list saka madates acho anga otosvika Lee akabva ati ndiende kumusha asi kuri kumba kwavo apa ndanga ndava mu8 months asi ndakaramba kuenda kumba kumusha ini ndikati
"Handisi kuenda kumusha
"Bby kumusha ndiko kwaurikuenda nekuti marooro ariko kuswera mangwana ukunosanaga marusape naLazzy motenga zvinhu zvikudiwa pane glossary ririkudiwa
"Handina kuroorwa naLazzy ini handisi kuenda kana imi murikusara
"Urikuda kuedza kutii kana uchindiudza zvokumama iwewe neEffot yese yandiri kuisa kuti ndikuroore iwewe woda kundiudza zvokumama saka uda kuti ndisiye basa manje ndiende kunokuroora
"Saka handisikuenda
"Rega kuenda handidi kunyangadzwa ini ndozvikanzera izvi
Be blessed...
