Cherreads

Chapter 5 - C11

Chapter 11

Ndakamutarisa ndichitoshamisika nezvaive ataura shuwa munhu ungataura kuti handichaendi kumba kana ndikarega kuenda kumba kwacho ndoita sei hameno zvaida kuedza kutaura akabva ati,

"Hatina imwe plan bby look now dzative to 6 idzi ko patichazosvika kumba dzinenge dzava nguvai

Paakandibvunza kudaro handina kudeera asi xvaive pachena kuti ndaizoisvika kumba husiku chaihwo hameno apa handizivi kuti vanhu vekumba vanga varikuita sei nekuti baba pavakatanga kundifonera kuma5 ndakavanyebera kuti ndaenda kumba kwefriend yangu kwaitika nhamo asi zvakavanetsa kuti friend ipi yacho nekuti ini ndaisave munhu ane madzishamwari kaa ini chero kuchikoro kwacho mashamwari angu aisave aya ekutoita close close zvokutoti vabereki vangu hapana kana 1 zvake wavaimboziva achiuya pamaba ndichiti ishamwari yangu ndaisave neshamwari best friend ndaingowirirana nemumhu wese asi ndisina best friend ..Saka zvakatonetsa baba ndofunga kuti wandaiti shamwari wacho ndiyani ....Zvakaita kuti varambe vachindifonera asi pandakadzima foni vanga vakutofona vese namukoma Mark izvo zvakatondityisa ndikabva ndadzima foni yacho ....Ipapo taive mumota kule Tapiwa vanga vasati vatombouya hameno zvavaiita kwaive nevanhu ungati kwaive nedare revemumusha here hameno ...Lee akabva anditi

"Toita sei bby

Panzvimbo yokuti ndidaire musodzi yangu yakabva yakutotanga kubuda akaramba akanditarisa zvikanzi

"Usacheme Ty ndiudze kuti toita sei nekuti ukaenda kumba urikunkrohwa or kunzi dzoka kwawanga uri bt dai wanga usina kuvadzimira fon zvaiita nyore kuti waingoramba wakaramba uchitsvaga zvokuvanyebera ,Ko ipo pacho pavafona wavati?

Ndakabva ndadeera ndikati

"Ndavati ndiri kumba kwefend yangu kune nhamo

Ipapo akabva ati

"Maybe they were going to believe bt wadzima foni izvezvi vakutoziva kuti ukuvanyebera..Ko idzo kule dzichirikuitei nhai

Akadaro achidzika mumota asi haana kufamba kuenda kure nekuti kule Tapiwa vacho vanga vakutouya ipapo Lee wacho haana kuzofamba kuenda kure akabva amira kuti sekuru tapiwa vacho vasvike paari ..Vakabva vakufamba kuuya kumota vese vari vaviri vakapinda ava sekuru Tapiwa kumberi Lee akauya kuzogara neni kumashure zvikanzi nasekuru Tapihwa

"Muzaya uriboe here kumashure uko

Vakadaro vachindicheukira ndikangonyeberawo kusekerera ndichiti

"Ehe ndiri right hangu

Asi Lee akabva ati

"Kule drivai pakashata apa mwana arikutsvagwa kuden shaaa

Ivoz sekuru Tapiwa vacho vakabva vakumutsa mota kuenda vakati

"Usandiudza apa hona kwaane time saka kutisvika kuden zvokuma 9 to 10 ikoko

Ndichinzwa kudaro ndakavhunduka ndikati ndinenge ndichinonoka door repamba pani nenguva idzodzo nhai imi ..Nababa vangu nhasi ndinorohwa ndikafa zvangu ipapo Kule vakati

"Bt hazvisi boe zvawaita Muzaya look wanonotda mwana kuenda tarisa kwaane time anosvika kumba achiti arikubvepi

Vakadari zvikanzi naLee

"Im regretting kuuya naye kwandatoita dai ndisina hangu kumbouya naye handina kuziva kuti tichazononoka kudai .

Pakadaro ndakatoona kuti he was worried akati

"Hameno kule toona tasvika kuti toita sei imbozamai kudriver henyu fast kuda tingakasika kusvika pakaipa.

Aitoratidza kuti arikundinzwira tsitsi sekuru vakabva vati

"Ko imi guys zvamukuda kuita mukuona zvichiita here ...Muzaya zvaurikuda kuita hazviiti unkda kudzorera munhu wako kumba nguva dzino here izvozvo hazvipi picture yakanaka chero kuvabereki vemusikana vanokuona semunhu asina kana respect zvachose plus vanoona sokuti ukuda kutambisa mwana wavo ..Nekuti vabereki vanoona musi vanotoona kuti munhu ayu ane future kumwana wavo look time dzatichasvika kumba wobva wakutanga kuendesa muzaya kumba jwavo na10 zvinorwadza moyo yevabereki izvozvo kuti why mwana wedu achiita zvinhu zvakadai so. Hakuna mubereki asingadi chakanaka kumwana wake saka imbofunga muzaya uyu osvika kumba na10 pamwe 11 ft vabereki vake vachati chii yes obvious vachamurova vachimuranga asi varikumuranga vaine bundu mumoyo zvokuti vativa nekugunun'una mumoyo mavo kuti saka shuwa chero mukomana wacho angadzorera mwana kumba nguva dzino .Vanobva vava nekufungira kuti kuda urikuda kungotambisa mwana wavo. ukunzwa point yangu here Leonard?

Vakadaro sekuru vachiita kutaura vachioota vachicheuka kumashure iye Lee akabva ati

"Yes ndukupanzwa kule bt ndiite sei manje ...Zvamataura zvese ndazvinzwa and ichokwadi bt ndiite sei handisikuda kuita sokuti ndabatirira mwana kumurora asati Ave ready for it ...Nekuti ndozvandanga ndichitifungawo kuti ko bby hona kwane time patichazosvika kumbaka nguva dzinenge dzaenda and hazvipi mipikicha yakanaka kuvabereki vako kuti mwanasikana wavo arikusvika kumba na10 ..Besides kurohwa izvo pachazvo hazvina chimiro ....

Akadaro apa achindibata kundiisa padhuze naye uye achiisa ruoko rwake kumashure kwangu so kumusana .And zvaitaura muti vabereki vangu vaizogununguna chaive chokwadi kunyanya baba vangu ndaitoziva kuti vaitobatika nekuti hakuna chimwe chavaida kwandiri kunze kwekuti ndifambe negwara rakanaka iro randaive ndotadza kuita ...pandakabvunzwa naLee handina kudeera asi sekuru ndivo vakabva vadera vachiti

"Ndiko kunonzi kutiziswa kwacho uku vanhu vanotiziswa zvakasiyana muzaya uye vanhu vanoroorwa zvakasiyana.Unoona vakuru vedu vekare vaitoto mwana musikana akasvipirwa ainzi dzoka kwaurikubva nekuti vaiziva kuti mwana musikana haafani kusvipirwa asati asvika mumba ....

Ehe ndizvo zvaitoitwa izvozvo nekuti ndinotondera sisi mai Courage ndiwo maendere avakaita iwayo vakasvibirwa vasati vadzoka pamba and pavakadzoka pacho vakarohwa vakanzi dzokera hako kwawanga uri ..Pavakadzoka pacho ndopavakabva vaenda kunkroorwa ipapo .Ndaive ndichiri mudiki zvangu asi ndichiri kuticherechedza kuti zvakatoitika zvinhu izvozvo ...Ndisingazozivi kuti ininndaizonzi chii navo baba asi vaindirova chaizvo vese vabatana nemwana komana wavo Mark uyo aive so strict neni zvokuti ndiko saka vaigara vachondibatirira panyaya dzevakomana nekuti anorova guys ..Vana sisi vangu vakakura nguva yakanaka namukomana Shima avo vanyoro vaisamborova and vave kutingwadzwa naMark zvokuti mama vanogara vachitaura kuti iwewe wakakura nguva yakashata and wakaita minyama yokuti vanhu ava vatarisira iwewe kuti kuda ungaroorwawo zvakanaka saka varikukuisa mugwara vese vari vatatu ... vaiita kundikutsanira vese vari 3 .Zvokuti ipapa ndaive ndisingachazivi kuti ndoita sei nekuti ndaibva ndanyatsoona kuti ndiri kutadza and vakandiudza vakati tinokuda ndiko saka tiri kukukurova tinoda kuti uite mwana kwaye.. Ipapo Lee akabva ati

"No kule lemme see kuti toita sei kana ndasvika ndogona kuenda naye kumba kwavo kwacho kana asati akuda zvokugara neni hatingamanikidze mwana kuti ndimuroore kuda iye haasati ava ready zvake ..

Akadaro achindipuruzira kumusana kwangu ndakabva ndati

"Baba vanoda kuti ndiende kuchikoro havambodi zvokuti ndiroorwe ndinenge ndavarwadxisa saka kuenda hangu kumba kwacho zvitori nani ndonorohwa pane kuti ndivarwadzise kudaro ..

Nekuti baba chavaida kuti ndivewo an independent woman ndidzidzewo zvokuti musi wandinograduata vanenge varipo vachipembera kuti mwana wangu iyeye zvanzu kana wadaro woshanda wobva wauya nemukomana wako achizoita tisi tirikufambawo pano tinoda kufambidzana nemwana wenyu ..Woroorwa zvako ndonhonga mari mundiro chero dhora asi zvine hunhu mukati ..Zvanzi ndizvo chete zvandinoda pauri saka apa ndaive ndakufunga manje kuti ndoita sei zvino zvikanzi nasekuru

"Muzaya deeraka zvinoita here kuti uende kumba husiku soo

Ipapo taive tambinda mumarondera ravekunda kwarusape ndakabva ndati

"Baba vangu vanoda kuti ndiende kuchikoro

Ipapo sekuru vakabva vaseka vakati

"Muzaya usandinakidza wanzwa izvozvo ndizvo zvinotoita mubereki wese haadi kuti mwana wake aroorwe kkkk hameno zvakasikwa sei unofunga kuti pane pavangati here haiwa mwanangu Ty roorwa zvako

Vakabva vasekedzana naLee uyo akabva ati

"Kule mwana uyu kaunder age aka saka moda vasave strict here vabereki vake ..

"Ndambokubvunxa wani kuti ane makore mangani ukati 17 kkk ndazviona kuti mwana uyu saka ndakubvunza kuti ane makore mangani mwana uyu asika chero ipapa kukanzi ane 25 vabereki still vanongoramba vari strictly pamwana wavo vanotozovhunduka kuti ko iyi ndoipi kana uchinge wasvika 30 years ndipo pavanotanga kuzobvunza kuti nhai mwana wangu unewo here mukomana anokupfimba kunze uko ..Ndipo pavanenge vakuona kuti aiwa izvi hazvisisiri zvega. .Saka muzaya iwewe usawara nenyaya wechikoro muzaya imimi ndakuonai munodanana chaiko munodanana saka chii chukunetsa apa hausikuda kuroorwa here muzaya

Vakadaro sekuru ndichibva ndakutarisa Lee achibva anditarisawo asi ari serious ndakabva ndaramba ndakanyarara zvikanzi nasekuru

"Mwana ngaasaenda kumba uyu muzaya munhu ngaarorwe .Munhu atotiziswa ..

Ndakanzwa Lee akuita kakundisekenyedza ndakamutarisa zvikanzi

"Zvanzi watiziswa bby

Ndakabva ndakuramba ndakanyarara and takasvika kwarusape iriyo nyaya yaitaurwa nezvayo ini ndichishaiwa kuziva kuti ndoita sei Lee ndsimuda asi ndaive ndakufunga mari yemaleson yakabviswa nababa 120 dollars yemaleson ese yaindidya moyo kuti saka mari yacho yongorova yakadaro here and ndaitiziva kuti vaizowana mari iyoyo vatambura chaiko ....Tasvika Marusape Lee akabva akuti tinotenga chikafu mota yakanomira pachicken inn akabva apa sekuru mari kuti vanotenga saka sekuru vakabva vadzika mumota ini ndokusara nalee tiri vaviri ipapo akabva anyatsondiswebedza paari zvikanzi

"Bby

"Hmmm

"Urikutya kunorohwa here mukadzi wangu

"Ehe and ndukunorohwa nevanhu 3 ndukutozviziva hangu

"Hauchaendi bby ndakuroora ini hameno zvinotevera tozozviona

Ndakaona kuti airevesa ndichibva ndati

"Lee, baba vakabhadhara mari yokuti ndiende kumaleson and ndinoziva kuti vanenge vashanda sei kuti vawane mari iyoyo

Akawedzera kundimbundira akati

"Vakashandisa marii bby

"120

"Tinovadzorera mari yacho ..Ini ndakutoita plan dzokuti ndinoroora ...

Ndakabva ndaramba ndakanyarara uye ndichinzwa kutya nekuroorwa ummm kunzwa fear chaiyo ..sekuru vakabva vadzoka ne3 mabox echicken inn vakati

"Panapa munokwira marii kuenda kumaraini kwenyu uko

"Dolla

NdiLee akadeera ipapo sekuru vakatitambidza 2 mabox kumashure ndokubva takudya asi ndaitodya ndichidyiswa ft naLee apa ndichinyara kunyatsodya chaiko ...Ndakazodya machips chete ndokusiya mari ..Takasvika kumba apa ini hana yangu yanga yakurova takasvika kumashops Lee akatoudza sekuru kuti mota iende kuseri kuimba yake ..Takasvika zvikanzi

"Ngatidzike

Akabva adzika ndokubva ndakudzikawo zvikanzi nasekuru

"Hooo ndipo pauri panapa ...Inini ndichapinda mumba here ndakuda kumhanyabkudzoka nekuti kumba uko kune nyaya irikunetsa yemomba dzababa pane kutaurika kuri kuitika padziri

Vakadaro sekuru zvikanzi naLee

"Oky boe kule imimi mombe ndedzenyu nekuti ndimi vana vasekuru musabvuma kutirerwa mombe nana sekuru imi ..Oky boe munozondiudza kuti zvafamba sei and vane hudyire husina basa vana sekuru venyu haiwawo ...

Akadaro achiratidza kuziva nezvenyaya yacho ..Ipapo sekuru vakabva vati

"Pakaiipa wangu .Saka muzaya ndokuona anditi rooranai imi zvinotevera mozozviona

Vaireva ini ndikashaiwa zvokudeera . Vakati

"Mosara zvakanaka anditi

"Oky sekeru maita basa

Ndakadaro ndikanzi nalee

"Enda mumba hnty bdiwe une makey

Ndakabva ndakufamba kuenda kunomira padoor handina kumborivhura ini akabva aonekana nasekuru sekuru vakapinda mumota ndokuenda iye Lee ndokuuya pandaive zvikanzi

"Ko hausati wapinda wani vhura door

Akabva atora makey ndokuvhura door takabva tapinda mukati iye akauta befu achibvisa boots akagara pabed zvikanzi

"Bby waramba wakamira wani ndiudze zvaukuda iwewe kana usati wakuda kugara neni it's fine Tyler ..

Ndaive ndakamira panzvimbo imwe ndichitadza kuziva kuti ndaida zvipi kuenda kumba here kana kuti kugara nalee akabva ati

"Chii Bby taura neni

Akadaro achiuya pandaive ndakamira zvikanzi

"Chii handidi kuti utsamwe Ty ziva izvozvo ndinokuda you know if my decision usikuida tinoita zvaukuda iwewe

Ndakabva ndaramba ndakanyarara zvikanzi

"Uda chii bby

Ndakaramba ndakanyarara zvikanzi

"Ndakuenda kunogeza unogona kugezera mudish iro cz kunze kwakasviba hnty haunganogezeri kunze ...

Akabva atira mvura yaye uku aive abvisa trouse nehembe achibva asara neboxer ndokubva ati

"Hnty unogona kugezera mudish .

Ndakagutsurira musoro zvikanzi

"Pane rimwe towel reblue ndoraunoshandisa

Akabva andiisira mvura mudish ndokundivhurira sipo new one akandipa netowel racho zvikanzi

"Chigeza totaura ndauya hnty

"Ndakabva ndagutsurira musoro iye ndokubuda achienda kunogeza ndakasara ndikabvisa hembe ndokugeza ndaive ndisina kumbozvijaira zvokugezera mudish saka ndakatononoka kupedza apa ndaida kuti asvike ndapedza ..Ndakapedza kugeza ndakabuda ndokubuputa ndichitori ndikapedza ndobva ndapfeka ndozozora mafuta kana ndapedza asi ipapo ndichiri kupinda akabva apinda uku light raive on zvino zvokuti paakapinda akabva avhara door ndokuramba akamira akanditarisa

Liker manheru ndouyisa 2 and pachatapira kani

Be blessed...

More Chapters